Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Votaura Pamusoro Penyaya yeBumbiro Remitemo yeNyika


Nyaya yekubatana kweMDC ne Zanu PF mukuvandudza bumbiro remitemo yakatsviriridza pamusangano wakaitwa muharare neChipiri manheru.

Musangano uyu waive wekurukura nzira dzingashandiswe mukubvisa hutongi hwehumbimbindoga munyika. Pakaitika hondo yemazwi pamwe nepfungwa dzakajeka, apo sachigaro we National Constitutional Assembly, NCA, VaLovemore Madhuku, vakapinda mudariro iri nemunyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, avo vanovazve mumiriri we Harare East mudare reparamende.

Vaviri ava vakaburitsa pachena kuti vane maonero akasiyana panyaya yekubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro chemasimba ezvematongerwo enyika. Vachitaura pamusangano uyu, VaMadhuku vakati hazvigone kuti vanhu vabvise VaMugabe nenzira dzakatsarukana dzakaita sekuvhota kana kutaurirana.

VaMadhuku vakati pane humbowo huripo hunoratidza kuti Zanu PF haisi yekuvimba nayo. VaMadhuku vakatiwo nzira yega yavanoziva ichashanda ndeye kuti vanhu vemuZimbabwe varatidzire zvakasimba, kusvika VaMugabe vabva pachigaro.

Vakatiwo nyika inofanirwa kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika, sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa. VaMadhuku vakati MDC yakatengesa panyaya iyi, izvo zvakatsamwisa masangano akawanda.

Vachidzivirira danho rakatorwa nebato ravo, VaBiti vakaramba kuti vakange vatengesa vanhu veZimbabwe, vachiti ivo vakawirirana kuti vaizoenderera mberi nekuedza kutaura neZanu PF kuti vagadzirise zvinhu munyika. VaBiti vakati kana Zanu PF ikada kuita zvavasina kuwirirana, MDC haipindi musarudzo dzegore rinouya.

Vachitaurawo pamusangano uyu, nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Professor Eldred Masunungure, vakatiwo hazvigone kuti vana veZimbabwe vabvise VaMugabe nekuratidzira, sezvo vanhu vazhinji vave kutya kurohwa nemapurisa nemasoja. Professor Masungungure vakati vanhu vazara nekutya, zvokuti vakafunga zvakaitika panguva yegukurahundi pamwe neOperation Murambatsvina, nezvimwewo zvakaitika muhondo, vanhu vanobva vapeta miswe yavo.

Vachipawo pfungwa dzavo, vaimbove mumiriri we Highfield muparamende, VaMunyaradzi Gwisai, vakaramba kuti vanhu vemuZimbabwe magwara. VaGwisai vakapa semuenzaniso zvakaitika muna 1998, apo pakaitika mhirizhonga yekushaya chikafu, vanhu vachiratidza kuti vakange vasingatyi kupfurwa.

Hurongwa hwe New Zimbabwe Lecture Series, hwakarongwa neMDC, uye hunoitwa mwedzi wega wega, apo vanhu vanokurukura nyaya dzakakosha dzinenge dzichiitika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG