Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaVaShumba Yonzwikwa Nedare reAfrican Commission


Dare reAfrican Commission on Human and People’s Rights, ACHPR, rinonzi rakabvuma kunzwa nyaya yekutochwa pamwe nekushungurudzwa nehurumende, kwaVaGabriel Shumba, avo vakakwidzwa nyaya yavo kudare iri.

Dare reACHPR ranzi richanzwa nyaya iyi muna Mbudzi, uye rakatonyorera magweta aVaShumba tsamba yekuvazivisa nezvedanho iri.

VaShumba vakatochwa mugore ra2003 mushure mekunge vamirira mudare nhengo dzebato rinopikisa reMDC. Muzvare Jessie Majome igweta rinorwira kodzero dzevanhu.

Muzvare Majome vaudza Jonga Kandemiiri kuti danho ratorwa neACHPR iri rinopa zvizvarwa zveZimbabwe mukana wekukwidzawo nyaya dzazvo dzekushungurudzwa nehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG