Accessibility links

Breaking News

Dhora Rodonha Zvinotyisa Izvo Zvava Kukonzera Kudhura Kwezvinhu


Mitengo yezvinhu zvekudya uye mari yemakombi iri kuramba ichikwira nekuda kwedhora remunyika iro rave kuramba richishaya simba.

Dhora rekuAmerica riri kutengeswa pamukoto nemari inosvika Z$500,000.

Izvi zvava kupa kuti mutengo wemafuta ubve wakwira uye vemichovha vabva vawedzerawo zvakapetwa kaviri mari dzavanobhadharisa vanhu.

Chingwa icho chinonzi nehurumende chitengeswe ne Z$30,000, chave kutengeswa ne Z$150,000, ukuwo 10 kg yehupfu inofanira kuita Z$50,000, yava kuita Z$500,000.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaBothwell Deka, vaudza mutori wehau Blessing Zulu kuti hurumende inofanira kudyidzana nedzimwe nyika dzekunze kuti iwanewo rubatsiro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG