Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Kutanga neChipiri Vanenge Vasisaendi Zvachose Kumabasa


Progressive Teachers Union of Zimbabwe yazivisa kuti kuramwa mabasa kuri kuitwa nenhengo dzayo kwava kutora rimwe danho sezvo, kutanga neChipiri, varairidzi vanenge vorega zvachose kuenda kubasa.

Gwaro raburitswa nesangano iri neMuvhuro rinoti varairidzi vari kuramba kutambira danho riri kuda kutorwa nehurumende, rekuwedzera mari dzemihoro nezvikamu zana kubva muzana, vachiti idzi inyambo chaidzo nekuti hurumende haisi kutarisa kuoma kwaita zvinhu munyika.

Varairidzi vanoti vari kuda kuti mari dzavo dzitangire pa$18 million pamwedzi, uye dzekubatsirikana pakufamba dzisvike pa$8 million pamwedzi, kozoti yekubatsirika nepekugara yokwirawo kusvika pa$6 million pamwedzi.

Varairidzi vari pasi pePTUZ vave nemasvondo maviri vachingoenda kubasa asi vasingashandi.

Mutungamiri weZIMTA, rimwe remasangano evarairidzi, Amai Tendai Chikowore, vanoti sangano ravo richiri kuita hurukuro nehurumende.

Zvichakadaro, vanhu vasingazivikanwi vakapaza kumahofisi ePTUZ muHarare, vakasiya vabvanyangura midziyo nezvimwe zvakadaro. Hapasati pazivikanwa zvinangwa zvekupaza uku.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kupazwa kwemahofisi avo hakuvatyisidziri sezvo vakazvipira kurwa hondo yavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG