Accessibility links

Breaking News

MDC Yotsvaga Nzira Dzekugadzirisa Hukama Hwayo neMasangano Akazvimirira


Pachine ropa rakaipa pakati peMDC neshamwari dzayo dzemasangano akazvimirira oga, mushure mechibvumirano pakati pebato iri neZANU-PF chekuvandudza chikamu chebumbiro remitemo kana kuti Constitutional Ammenment Bill number 18.

Vamwe vemasangano akazvimirira oga vanoti havasi kufara nezvakaitwa neMDC izvi. NeMuvhuro mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaita musangano nevamwe vemasangano akazvimirira kuti vatsanangure pfungwa dzavo panyaya iyi. Vange vari pamusangano uyu vanosanganisa veZCTU, Crisis in Zimbabwe Coalition, Christian Alliance uye ZINASU.

Asi mamwe masangano akaita seNCA, NANGO, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, uye PTUZ haana kuenda. Imwe nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, vanoti chibvumirano chekuti paramende isarudze mutungamiri wenyika kana aripo afa, kana kusiya basa, temu yake isati yapera, chinotyora mitemo yakatenderanwa pasi rose yekuti vanhu vasarudze vatungamiri vavanoda.

PTUZ yati zvakaitwa neMDC kushambira nengwena uchiti muri madzisahwira. Asi gwaro nyorwa reAfrica Confidential yekuLondon rinoti rine humbowo hwekuti VaMbeki vakavimbisa vatungamiri veMDC kuti Zanu-PF yakabvuma kubvisa mutemo wePOSA uye kuunza mutemo mutsva wesarudzo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti havaoni chavaresva pane zvavaita uye vari kuda kuti mhuri yeZimbabwe ibude mumukanwa mamupere mairi.

National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vanoti masangano akazvimirira oga achasangana kuti azeye zvakaitwa neMDC neZANU-PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG