Accessibility links

Breaking News

WFP Yotangazve Kupa Vanhu Chikafu Munyika


Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, reWorld Food Program, WFP, rinoti ratanga kupa vanhu vane nzara chikafu.

Mutauriri weWFP kuchamhembe kwe Africa, VaRichard Lee, vanoti chikafu ichi chichapihwa vanhu vanosvika miriyoni imwe chete kusvika kupera kwemwedzi uno. WFP inoti ichawedzera huwandu hwevanhu vachawana chikafu kusvika pamamiriyoni matatu.

VaLee vanoti pari zvino vane mari inoita makumi matatu emamiriyoni emadhora eku America, uye vari kutarisira kuwana imwe mari inoita 97 million US dollars, iyo ichashandiswa mukutenga chikafu.

Hurumende yeBritain inoti ichapa Zimbabwe mari yechikafu inosvika 8 million pounds.

Reverend Forbes Matonga ndivo National Director we Christian Care, sangano rinotakura pamwe nekupa vanhu chikafu chinobva ku WFP.

Patience Rusere weStudio Seven, aita hurukuro naReverend Matonga kuti tinzwe kana chikafu chiri kubva kuWFP chasvika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG