Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokwidza Nyaya yeZvirango kuUnited Nations


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatarisirwa kutaura nezvenyaya yezvirango zvehupfumi zviri kutemerwa nhengo dzeZANU-PF pamwe nehurumende kumusangano weUnited Nations uri kuitirwa kuNew York.

Mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, Va Boniface Chidyausiku, vanoti pavachataura kumusangano weUnited Nations nemusi weChitatu, VaMugabe vachaudza dzimwe nhengo dzeUnited Nations, kuti zvirango zvehupfumi izvi, kunyanya zviri mumutemo we Zimbabwe Democracy Act ye America, hazvisi pamutemo, uye ndizvo zviri kuita kuti nyika itadze kubudirira.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaChidyausiku avo vanoti zvakakodzera kuti Va Mugabe vataure nenyaya yezvirango zvehupfumi sezvo zviri izvo zvavanoti ndizvo zviri kutadzisa nyika kubudirira.

Nyaya yeZimbabwe iyi, inonzi ichataurwa nezvayo zvakare, apo Cuba, ichapinzawo mudariro kukanganiswa kuri kuitwa nyika iyi, kubudikidza nezvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika iyi nehurumende ye America.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor John Makumbe, avo vanopokana nemashoko aVaChidyausiku.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG