Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuvandudzwa Kwebumbiro Remitemo Younza Mutauro


Vanhu vakawanda munyika vari kuenderera mberi vachitaura nezvekuipa kana kuti kunaka kwakaita nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Vamwe vanoti MDC iri kupedza hayo nguva kuteya nzou neriva, asi vamwe vachitiwo kana wafunga kudya imbwa, wotodya iri hono.

Vamwe vanotiwo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanova mutongi gava panyaya iyi, havasi munhu wekuvimba naye. Asi vamwe vanoti VaMbeki ndivo chaivo vanokwanisa kubatsira kupedza gakava rezvematongerwo enyika nekuti naivowo vari kutambiswa nhova nezvizvarwa zveZimbabwe, izvo zviri kuita chamuramba mhuru zvakananga kuSouth Africa, zvichinotsvaga mafuro manyoro.

Studio7 iri kuenderera mberi nehurukuro yedu pamusoro pechibvumirano che MDC ne Zanu PF.

Muchirongwa chino, Blessing Zulu aita hurukuro na national director ve NCA uye vari nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, pamwe naVaTongai Matutu, nhengo yeMDC inomirira Masvingo Central mudare reparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG