Accessibility links

Breaking News

National Executive yeMDC Yozeya Matanho Akatorwa neBato Iri


National Executive yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yasangana neChishanu muHarare umo yaudzwa nezve kutaurirana pakati peMDC ne ZANU-PF. VaTsvangirai vasangana nemasachigaro ematunhu makuru.

Zvinonzi VaTsvangirai vaudza vanhu ava kuti nyaya yebumbiro remitemo yava kuteverwa nekugadzirisa mitemo yakaita se Electoral Act, POSA, neAIPPA.

VaTsvangirai vanonzi vakumbira kuti vatungamiri veMDC vaudze vose vari pasi pavo zviri kuitika muparamende pamwe nekutaurirana kuri kuitika pakati peMDC neZanu PF. VaTsvangirai vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita zvinhu pari zvino zvekuti vari kutarisira kutii pachaitwa sarudzo gore rintotevera, pachava mapepanhau akazvimirira, nekuti vanhu vachakwanisa kusarudzo mutungamiri vavanoda. Zvinonzi musangano uyu wakurukura mabitirwo ari kuitwa nhengo dze MDC nehurumende, pakabuda chisungo chekuti hurumende ikaramba ichishungurudza vanhu veMDC, bato iri richabuda mukutaurirana kuri kuitika munyika.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri veMDC.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaChamisa kuti ichokwadi here kuti pane vamwe vasiri kubvumirana nematanho akatorwa nevatungamiri vavo panyaya yebumbiro remitemo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG