Accessibility links

Breaking News

Va Ban-Ki-Moon Voronga Kutaura naVaMugabe kuMusangano weUN


Munyori mukuru we United Nations, Va Ban Ki-Moon, vanoti vachashandisa mukana wemusangano wenyika dzemubatanidzwa we United Nations kuti vataure naVaMugabe pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Va Ki Moon vataura mashoko aya pa television yemu Britain neChina manheru. Va Ban Ki-Moon vakati vachaedza nepavanogona napo kuti vagare pasi nemutungamiriri we nyika, Va Robert Mugabe, kuti vataure pamusoro pekuipa kwaita zvinhu muZimbabwe.

Va Ban ki-Moon vakati ivo vakatoisa nguva parutivi, iyo vari kuronga kuzogara pasi naVa Mugabe vachivataurira kushushikana kuri kuita vatungamiriri venyika zhinji, kunyanya dzakabudirira, sezvo vasiri kufara nekudzvanyirirwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe nezvimwe zvakadaro.

Mamawe mashoko anoti Va Mugabe ndivo vakaisa chikumbiro chekusangana naVa Ki Moon, pavanoenda kumusangano we U-N General Assembly uri kuitirwa muNew York mu America .

Mutori wenhau we Studio 7, Sandra Nyaira anotipa nyaya iyi.

Zvichakadaro, mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, VaBoniface Chidyausiku, vanoti VaBan Ki-Moon, havana masimba ekudaidzira dzimwe nyika, kuti dziise musoro pamwe chete, kuti dzironge kutumira nhumwa kuZimbabwe.

VaChidyausiku vanoti kana Va Ki-Moon vaine zvavanoda kutaura kuhurumende yeZimbabwe, vanofanirwa kuzozvitaurira VaMugabe, kwete kuudza nyika dzose zvavanoti vanoda kuita.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaChidyausiku avo vanoti Zimbabwe inyika yakazvimirira yoga, uye havaoni zvakakodzera kuti va Ki-Moon vataure nezvekutumira nhumwa kana envoy kuZimbabwe.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro naNational Coordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Jacob Mufume, avo vanoti, iko kutumira nhumwa kuZimbabwe kuri kutaurwa naVa Ban-Ki-Moon, hakuna zvakunobatsira, sezvo sangano re United Nations, risina zvarakaita pakabuditswa magwaro nedzimwe nhumwa dzakambouya munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG