Accessibility links

Breaking News

Paramende Inotambira Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo


Dare reparamende neChina rakatambira bhiri remutemo we Constitutional Ammendment Bill Number 18, kuti rive mubumbiro remitemo yenyika. Izvi zvinoreva kuti mutemo uyu wava kuendeswa kudare repamusoro reseneti.

Kana mutemo uyu ukatambirwa neseneti, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kuisa ruoko rwavo pamutemo uyu, mukati memazuva makumi maviri nerimwe, kuitira kuti mutemo uyu uchishanda.

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi ange ari muparamende anoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Msika, vataura sekunge vave kuda kusiya matomu vachitendawo mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki nekuunza nhaurirano pakati peMDC neZANU-PF.

Asi kunyange hazvo dare reparamende ratambira bhiri iri kuti rive mutemo, kusawirana muZANU-PF kunonzi kwange kwoda kuvhiringidza kutambirwa kwebhiri iri.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZANU-PF vanoti vanhu vekuchikwata chemutevedzeri wemutungamiri wenyika, chaMai Joyce Mujuru, vange vasiri kufara nezvakabvumiranwa neMDC neZANU-PF.

Zvinonzi chikwata chaMai Mujuru hachisi kufara nehurongwa hwekuti dare reparamende risarudze mutungamiri wenyika kana mutungamiri wenyika asiya basa, uye kuti nhaurirano dziitwe sezvo zviri kuvhiringidza hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro muZANU-PF.

Chikwata ichi chinoti nemamiriro akaita zvinhu, VaMugabe havafanire kuti varambe vakabata matomu. Nyaya yekuwedzera nhengo dzedare reparamende inonzi haisi kufadzawo vamwe muZanu-PF vainge votanga kutogadzirira sarudzo.

Chief whip weZANU-PF, VaJoram Gumbo, vanonzi vatozoita basa rekuchaira runhare vamwe vavo kuti vauye mudare sezvo vange vachitadza kusvika zana kuti mutemo utambirwe. Zvinonzi mudare mange mune nhengo dzeZANU-PF makumi mashanu nepfumbamwe chete, kudzamara vaGumbo vazodaidza dzimwe.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika,uye vari programmes manager weCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vaudz mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zviri pachena kuti chikwata chaAmai Mujuru hachisi kufara nekuti chave kukandwa kunze kwemusha.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG