Accessibility links

Breaking News

Ambassador McGee Vovimbisa America Kubatsira Zimbabwe neVanhu Vayo


Vachangodomwa kuva mumiriri weAmerica mu Zimbabwe, VaJames McGee, neChitatu vaudza komiti yedare reSenate inoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika mashandiro avachaita kana vatambirwa kuti vave mumiriri weAmerica muZimbabwe.

VaMcGee, avo vakadomwa nemutungamiri weAmerica, Va George Bush, vapa umbowho uhu, kukomiti ye nomination hearing ragarwa pa Capitiol Hill mu Washington DC. Senator Russ Feingold vekuWisconsin ndivo vanga vachitungamira hurongwa uhu.

Mumashoko avo, VaMcGee vati vachaenderera mberi nekuedza kuunza hutongi hwejechetere muZimbabwe. Va McGee vati hutongi huripo pari zvino, hwatadza kupa vanhu vemu Zimbabwe rugare rwakanaka.

Vachipindura mubvunzo wa Senator Feingold wekuti masangano api avanofunga kuti anga vabatsira pakuunza shanduko muZimbabwe, VaMcGee vati vanoona sangano rakaita se SADC iro ringangokwanisa kubatsira vanhu vemuZimbabwe.

Asi VaMcGee vabvuma kuti havasi kugutsikana nemaitiro e SADC, panyaya ye Zimbabwe. Senator Feingold vabvumiranawo navo vachiti maitiro eSADC anogumbura, sezvo isina zvairi kuita zvinogutsa pakuedza kupedza matambudziko ari muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG