Accessibility links

Breaking News

MDC neZANU-PF Dzowirirana Panyaya yeBumbiro reMitemo


ZANU-PF neMDC neChipiri dzakaita chibvumirano mudare reparamende panyaya yekuvandudza bumbiro remitemo kana kuti Constitutional Ammendment Bill number 18.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakatura kudare reparamende bhiri rakavandudzwa richipinzawo mukati pfungwa dzeMDC dzavainge vawirirana kunhaurirano dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Mubhiri iri sarudzo dzemakanzura, paramende, mutungamiri wenyika, uye maSeneta dzinenge dzoitwa pamwe chete. Nhengo dzedare reparamende dzose dzinenge dzosarudzwa nevanhu, ukuwo VaMugabe vanenge vosarudza vanhu gumi nevashanu chete vanopinda mudare reSenate.

Mutungamiri wenyika anenge otonga kwemakore mashanu kwete matanhatu. NeChipiri zvikwata zviviri zveMDC zvambosanganawo kuti zvizeye nyaya iyi paramende isati yasangana zvikatenderana kuti zvienderere mberi nenhaurirano dziri kutungamirwa naVaMbeki.

Papedza kutaura VaChinamasa, Muzvare Thokozane Khupe vataurawo vakamirira chikwata chaVaMorgan Tsvangirai, vakati iri idanho rekutanga mukugadzirisa matambudziko enyika.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaWelshman Ncube, vakamirira chikwata chaVaArthur Mutambara.

Asi vamwe muzvikwata zviviri izvi vanonzi havasi kufara nechibvumirano ichi. VaJoram Gumbo Chief Whip veZANU-PF vanoti vafara zvikuru nezvaitika.

Asi Muzvare Thokozane Khupe vatiwo kunyangwe vabvuma kuita izvi vachiri kuda kuti nhaurirano dziitwe panyaya yebumbiro remitemo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG