Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeOSISA Dzotaura Zviri Kuitika muZimbabwe


Nhengo mbiri dzesangano re Open Society Initiative for Southern Africa, dzataura neChipiri pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, pamusangano waitirwa pa Woodrow Wilson Center muWashington DC.

Vachitaura pamusangano uyu, Economic Justice Program Manager we OSISA, Va Deprose Muchena, vati zviri kuitika muZimbabwe zvinokatyamadza zvikuru. VaMuchena vatiwo zviri pachena kuti hurumende yakundikana kutonga nyika zvachose.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaMuchena ndokutanga nekuvavhunza kuti shoko ravo guru pamusangano uyu, ndere kuti kudii.

Musangano uyu wanga uri wekuburitsa pachena kuti kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, Va Thambo Mbeki, vari kutungamirira nhaurirano pakati peZANU-PF neMDC, hazvirevi kuti zvinhu zvakamira zvakanaka munyika.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na Muzvare Isabella Matambanadzo, Zimbabwe Program Manager musangano reOSISA, avo vanoti vari kuona zvichibatsira kuti varambe vachiita misangano yakadai, kuitira kuti vanhu vekune dzimwe nyika, vanzwe chokwadi chizere pamusoro pezviri kuitka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG