Accessibility links

Breaking News

Vatyairi Vemagonyeti Voyambirwa Kuti Vangwarire Nyaya yeHIV/AIDS


Sangano rinoona nezvekodzero dzevashandi pasi rose, reInternational Labor Organization, I-L-O, ratanga neChina musangano wemazuva maviri, uyo uchange uchizeya matambudziko ari kusangana nevashandi vanoita basa rekutakura zvinhu.

Nyaya iri mudariro ndeye dambudziko re HIV/AIDS, iro ranetsa munyika. Vachitaura pamusangano uyu, mukuru weI-L-O, Va Tabi Abodo, vati sangano ravo rinonetseka zvikuru nekuda kwekuti mubazi rezvekufambiswa kwezvinhu, mune kusaziva kwakanyanya nezve HIV/AIDS. VaAbodo vati izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nesangano ravo muna Chivabvu naChikumi gore rino. VaAbodo vati tsvakiridzo yakaitwa ne ILO, yakaratidza zvekare kuti vakawanda vanofamba nemagonyeti vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana dziri kunze kwenyika, havana hany’a nedzidziso dzeHIV/AIDS dzavanopihwa nemamwe masangano.

Munguva yaiongororwa dambudziko iri neILO, pane mumwe murume anotyaira marori akati akange asingakwanisi kupedza mazuva maviri asina kuita zvepabonde nemunhukadzi. VaAbodo vati vanhurume havafanirwe kuramba vachizvitutumadza nezvinhu zvisina basa, uye zvinhu zvinogona kupinza hupenyu hwavo munjodzi.

Vachitaurawo nhasi pagungano iri, mutevedzeri wegurukota rezvekufambiswa nemashoko, VaHubert Nyanhongo, vatiwo bazi ravo ndiro rakabata upfumi hwenyika. Vati zvinovatambudza kuti chirwere ichi chiri kuramba chichipedza vashandi vane ruzivo hwakawanda. VaNyanhongo vati svondo rinouya bazi ravo, richitsigirwa neI-L-O, richatanga kufamba kuma driving school richidzidzisa vanhu ava nezve HIV/AIDS. Vatiwo chirongwa ichi chichaitwa munyika yose nechinangwa chekuwedzera ruzivo rweHIV/AIDS muvanhu.

Vachitaurawo pamusangano uyi, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mu National Aids Council, Muzvare Emelda Mudenge, vati muZimbabwe mune vanhu vanosvika 1, 8 million vari kurarama neHIV/AIDS. Vati pavanhu ava, vanhu zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana, vanhukadzi, uye vazhinji vavo vanotapurirwa hutachiwana uhu nevarume vavo.

Chinangwa chemusangano uyu ndechekuedza kubatsira vanhu vanoita mabasa ekutakura zvinhu vachienda kunze kwenyika kuti vazive maipiro akaita chirwere cheshuramatongo. Musangano uyu uri kupera neChishanu.

XS
SM
MD
LG