Accessibility links

Breaking News

Vashandi veZIMRA Vodzokera Kubasa Mushure Mekuramwa Basa Kwezuva Rimwe


Vashandi ve Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA, vakadzoka kubasa neChina, mushure mekumbokanda mapadza avo pasi neChitatu.

Nhengo yekomiti yevashandi veZIMRA isina kuda kudomwa nezita, inoti vaona zviri nani kuti vadzokere kubasa, mushure mekunge vakuru vavo vebasa vabvuma kutaurirana navo.

Vashandi ava vanoti vari kuda kuwedzerwa mari nezvikamu mazana mashanu kubva muzana. Mashoko anoti, pamaborder panga paine nyonga nyonga neChitatu, vanhu vachidarika vasina kubhadhara mari mitero yezvinhu zvavaipinda nazvo, sezvo vashandi veZIMRA vanga vasipo.

Asi Commissioner of Operations muZIMRA, VaTichaona Chiradza, vanoti vanhu vakadarika vasina kubvisa mari ye duty, vanenge vatyora mutemo. Asi VaChiradza vati havakwanisi kutaura nezvekuramwa mabasa kwevashandi uku, sezvo bazi rehurumende rinoona nezvemari riri iro rine mvumo yekutaura zviri kuitika muhurukuro dziri kuitwa nevashandi.

Imwe nyanzvi mune zvevashandi, uye vari National Coordinator veInternational Socialist Organisation, Va Mike Sambo, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti kuramwa mabasa kwevashandi ve ZIMRA uku, chiratidzo chekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muvashandi.

Zvichakadaro, komiti yeparamende inoona nezve mafambisirwo emari, neChitatu yakaendesa gwaro kuparamende, reongororo yavakaita ,inoratidza kuti zvinhu hazvisi kufambiswa zvakanaka muZIMRA.

Mai Priscilla Misihairambwi, nhengo yekomiti iyi, vaudza Studio 7 kuti vakurudzira hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa mu ZIMRA, sezvo iye zvino pasina nzira yakatsarukana yekubata mari iri kutorwa neve ZIMRA, kunyanya muma border.

Mai Misiharambwi -Mushonga vati zvakare imwe nyaya iri kunetsa ndeye kuti ZIMRA iri pasi pemapazi mairi, sezvo iri kushanda zvakare iri pasi pebazi rzvemukati menyika pamwe nebazi rezvemari, izvo vanoti zvinovhiringa mashandiro eZIMRA.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG