Accessibility links

Breaking News

Vakaputsirwa Dzimba neOperation Murambatsvina Voramba Vachitambura


Ongororo yakaitwa ne NANGO inoti vanhu vakaputsirwa dzimba neOperation Murambatsvina, havasi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kuhurumende pahurongwa hwe Operation Garikayi.

NANGO inoti vanhu vachiri kugara zvinosiririsa munzvimbo dzisina kunaka, uye hurumende iri kuratidza kuti haina hany’a nevanhu ava. Nango inoti muna Chikumi 2006 pakanga pasina kana munhu muwe chete akanga apinda mudzimba dzakavakirwa vanhu muKadoma.

Zvinonzi mumwe mukadzi aigara kuMbare, Muzvare Memory James, avo vakaputsirwa imba yavo neOperation Murambatsvina, vaonekwa vakafa neChitatu kumaJoburg Lines, uko vanga vachigara mumba yemapurasitiki.

Nhengo dze CHRA dzinoti kunyange pasati paitwa post-mortem yekuongorora zvakapa kuti Muzvare James vafe, vavakidzani vavo vanoti Muzvare James vakatanga kurwara pavakapazirwa imba yavo.

Vanotiwo zvekudya zvanga zvava kuvanetsa kuwana sezvo vange vasisakwanise kutengesa zvinhu zvavo.

VaFambayi Ngirande ndivo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu NANGO.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNgirande kuti vatsanangure zvakabuda muongororo yavo, pamwe nekutiudza zvaitika muMbare

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG