Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yooneswa Ndondo Kumusangano weACP-EU kuBelgium


Nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe ndiyozve yotsviriridza kumusangano we ACP-EU uri kuitirwa muBrussels, kuBelgium.

Nhengo dzeparamende dzekudzimwe nyika dziri kumusangano uyu, dzinoti hadzisi kufara kuti hurumende yeZimbabwe haisi zvayo kumboongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu idzi uye kurohwa kwaVaNelson Chamisa veMDC vari kumirirawo nyika kumusangano uyu.

Hurumende yakamborega kuenda kumusangano weACP-EU kuGermany, ichiti nhengo dzayo dzainge dzanyimwa mavhiza nenyika iyi, asi Germany yakati izvi zvaive zvemugotsi matsuro.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzekuchamhembe kweAfrica dzinonzi dziri kugunun’unawo kuti zviri kunetsa muZimbabwe zvave kudzishayisa mufaro sezvo vanhu veZimbabwe vari kutsvaka hupoteri munyika dzavo.

Senator Forbes Magadu veZANU-PF vanoti Zimbabwe yakakumbira kuti ichaunza ongororo iyi muna Mbudzi pachaitwa mumwe musangano kuRwanda.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika kuchamhembe kweAfrica muInternational Crisis Group.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zuku, kuti zvave pachena kuti nyika dzepasi rino dzave kunzwisisa matambudziko akatarisana nenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG