Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yobvisa Zvechisimba Vana neVanotengesa Mumigwagwa


Mashoko anoti mapurisa ekanzuru yeHarare ari kurova, pamwe nekubvisa zvine chisimba, vana vanogara mumigwagwa pamwe nevanotengesa zvinhu mumigwagwa.

Vataura neStudio 7 vanoti vamwe vari kutorwa vanoti vari kubvisiswa mari dzefaindi dzinosvika $40 000, asi zvinhu zvavanenge vachitengesa, zvinonzi zviri kubva zvatorwa nemapurisa ekanzuru aya.

Harare City Council inoti vanhu vanodarika zviuru gumi nevaviri, vave kugara mumigwagwa ye Harare. Vanoongorora vanoti izvi zviri kukonzerwa nekuderera kwaita hupfumi munyika, pamwe nechirongwa che Operation Murambatsvina, izvo zvaita kuti vazhinji vatambure munyika.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nekanzuru yeHarare kuti tinzwe divi rayo.

Pastor Elfas Zadzagomo, ndivo Chief Executive officer ve New Hope Foundation, sangano rinoona nezve kuchengetedzwa kwekodzero dzevana.

Mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba , aita hurukuro naPastor Zadzagomo kuti vatsanangure zvavari kuona mumigwagwa.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG