Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanotanga Kuramwa Mabasa


Nhengo dzesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, dzakatanga kuramwa mabasa neMuvhuro, kuburikidza nekusadzidzisa vana vechikoro.

Varairidzi vanoti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe kubva pa$2.9 million pamwedzi kusvika pa$15 million pamwedzi. Vanotizve vari kuda kuti vapihwe zvakare mamiriyoni mana emadhora semari yekubhadhara pekugara, uye $5,2 million semari yekubatsirikana pakufamba pamwedzi.

Svondo rapera sangano iri rakapa hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise nyaya dzemihoro idzi, ayo aikwana neMuvhuro svondo rinouya, asi nhengo dzaro dzapinda mukuramwa mabasa mazuva aya asati akwana.

Nhengo dzerimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, dzati dzichakamirira kunzwa kubva kusangano radzo kuti dzopindawo mukuramwa mabasa here kana kuti kwete.

Mumwe mukuru muZIMTA asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti haaoni sangano ravo richipindawo mukuramwa mabasa uku, sezvo riri kuita hurukuro nehurumende pari zvino.

Tatadza kubata mutungamiri weZIMTA, Amai Tendai Chikowore, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu kudivi ravo.

Asi munyori mukuru weP-T-U-Z, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti nhengo dzavo dzaona zvisina kukodzera kuramba dzichiendesa mberi kushupika kwadzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG