Accessibility links

Breaking News

Musangano weT-N-F Unotadza Kuenderera Mberi


Musangano weTripatite Negotiating Forum, T-N-F, uyo wanga uchifanirwa kuitwa masikati eMuvhuro muHarare, watadza kubudirira uye zvinonzi hapana zvikonzero zvapiwa kuti sei musangano uyu usina kuitwa.

Zvinonziwo mapoka ose ari muT-N-F, kunze kweZCTU, anga aungana kuti apinde mumusangano uyu, apo vazoziviswa nezvekuti wamiswa. Hapana kutaurwawo zvakare kuti wambomiswa kwenguva yakareba zvakadii.

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vaudza Studio 7 kuti havana kufadzwa nemamisirwo aitwa musangano uyu, vachiti vanga vakatarisira zvikuru kuti musangano uyu uitwe.

Sangano reZCTU ranga ragara risiri kupinda mumusangano weT-N-F uyu, senzira yekuratidza kwaro kutsutsumwa nemutemo wakadzikwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, wekuti mihoro isakwidzwe kwemwedzi mitanhatu.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havana kubuda mugungano reT-N-F kwete, asi kuti vari kurwisana nemutemo wakadzikwa naVaMugabe chete.

Dzimwe Nhau Kubva kuStuido 7...

XS
SM
MD
LG