Accessibility links

Breaking News

IOM Inoti Ichavhura Nzvimbo kuPlumtree Yekubatsira Vanhu Vari Kudzingwa kuBotswana


Sangano reInternational Organisation for Migration, IOM, riri kuronga kuvhura imwe nzvimbo kuPlumtree, yekutambira zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvadzingwa kuBotswana.

Sangano iri rinoti rine hurongwa hwekuvhura nzvimbo iyi mukupera kwegore rino, uye rati hurongwa uhu hunopa chiremera kuvana veZimbabwe vanenge vadzorwa ava, sezvo vachisvikowana maoko anovatambira.

Sangano iri raudza Studio 7 kuti hurumende ndiyo yakarikumbira kuti rivhure nzvimbo iyi. IOM ine imwe nzvimbo yekutambira zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvadzingwa kuSouth Africa, iyo yakavhurwa muna Chivabvu wegore rapera kuBeitbridge.

Gore rapera zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika 38 000 zvakanga zvichigara muBotswana zvisiri pamutemo, zvakadzoserwa kuZimbabwe.

Mutewedzeri wasachigaro musangano reZimbabwe Diaspora Civic Society Organisation Forum, VaSolomon "Sox" Chikowero, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kuvhurwa kwenzvimbo iyi chiratidzo chekuti hurumende iri kubvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG