Accessibility links

Breaking News

Mari Dzezvikoro Dzokwidzwa Zvisinei Kuti VaMugabe Vakati Kwete


Pakuvhurwa kwezvikoro neChipiri, vamwe vabereki vari kuchema chema nemari dzezvikoro, idzo vanoti dzakwidzwa zvakanyanya.

Ongororo yaitwa neStudio7, inoratidza kuti zvimwe zvikoro zvakazvimirira zvoga, zvakwidza mari idzi nezvikamu mazana matatu kubva muzana. Asi sangano rezvikoro izvi, re Association of Trust Schools, raudza bepanhau re Herald kuti zvikoro zvaro zvichadzikisa mari idzi, kuti zvienderane nemutemo wakatarwa nehurumende svondo rapera we Presidential Temporary Measures Act, uyo unorambidza vezvikoro kushandisa consumer price index, pakutara mari dzinobhadharwa muzvikoro.

Sachigaro wesangano iri, VaJameson Timba, varamba kutaura neStudio7 nezve nyaya iyi.

Ukuwo zvikoro zvemachechi zvinonziwo zvakakwidza mari nezvikamu zana kubva muzana. Asi zvikoro zvehurumende zvinonzi hazvisati zvakwidza mari, asi mumwe mudzidzisi ataura neStudio 7 anoti, zvikoro izvi zvakaisa chikumbiro chekukwidza mari idzi kuhurumende.

Mumwe mukuru mukuru mubazi rezvedzidzo asina kuda kudomwa nezita rake, audza Studio 7 kuti sezvo zvikoro zvichangovhurwa, havasati vakwanisa kuongorora zviri kuitwa nezvikoro. Mukuru uyu ati bazi rezvedzidzo harisisina chekuita nezviri kuitwa nezvikoro panyaya yekukwidzwa kwemari, sezvo vasisina masimba acho, pasi pemutemo wakatarwa naVa Mugabe uyu. Vati komisheni inoona nezvemitengo yakadzikwa nehurumende, ndiyo ichaona zvaingaite nezvikoro zviri kukwidza mari izvi.

Va Fidelis Mhashu ndivo sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, uyezve vari munyori mubazi rezvedzidzo mubato reMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Mhashu kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika muzvikoro.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG