Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inopa Hurumende Masvondo Maviri Kuti Igadzirise Nyaya Dzemihoro


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rati ranyorera hurumende richizivisa nezve hurongwa hwaro hwekuda kuramwa mabasa.

Sangano iri rinoti rapa hurumende kusvika musi wa17Gunyana kuti inge yagadzirisa nyaya dzemihoro yevadzidzisi.

PTUZ yati hurumende ikakundikana kugadzirisa nyaya iyi, zvinoreva kuti vadzidzisi vanenge voramwa mabasa.

Pamusangano wakaitwa muHarare svondo rapera, nhengo dzePTUZ dzakapinda mumusangano uyu, dzakabuda nechisungo chekuti vadzidzisi vatange kuramwa mabasa kubva neChipiri, zuva ravhurwa zvikoro.

Sangano iri rinoda kuti mari dzinotambirwa nevadzidzisi dzikwidzwe kubva pa$2.9 million, kusvika pa$15 million pamwedzi.

Varairidzi vanziwo vari kuda mari yekubatsirika pakufamba inoita $5.2 million uye yepekugara inoita $3 million pamwedzi.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vati varairidzi vachange vasingashandi nemwoyo wese kusvika panopera mazuva gumi nemana avapa hurumende kuti inge yatora matanho aya.

VaZhou vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti varairidzi nevana vechikoro vakawanda vatadza kuenda kuzvikoro zvakasiyana siyana nekuda kwekushayiwa zvekufambisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG