Accessibility links

Breaking News

Australia Inodzinga Vana Vevakuru muHurumende yaVaMugabe


Vana vevakuru vehurumende yaVaMugabe vakadzingwa kuAustralia, vakasvika muharare neMuvhuro.

Vana vadzingwa, avo vanga vachidzidza muzvikoro zveku Australia, vanosanganisira mwana wemukuru wemapurisa, Commissioner Augustine Chihuri, Sylvester, vana vatatu VaGavhuna weRBZ, VaGideon Gono, Pride, Passion naPraise, Taona Karimanzira, mwana waVa David Karimanzira, Tendai Nguni, mwana waVaSlyvester Nguni, Kudzai Muchena, mwana waMai Olivia Muchena, Thelma Chombo, mwana waVaIgnatius Chombo, pamwe naEmmerson, mwana wegurukota rezvemaruva, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi VaMnangagwa varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti hapana zvavari kuziva.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAustralia, VaAlexander Downer, vakazivisa kare kuti vana vevakuru vehurumende vakatemerwa zvirango neAustralia, vachadzorwa kumusha. Vane ruzivo rwezviri kuitika mu Australia vanoti mwedzi uno, kuchadzingwazve vana gumi, avo vane vabereki vanodyidzana naVaMugabe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revadzidzi reZINASU, VaWashington Katema, vati vanotambira zvaitwa neAustralia sezvo zvichapawo shungu kuti hurumende igadzirise zvikoro zvepamusoro soro munyika, zivo zvoita kunge matongo.

Doctor John Makumbe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

Doctor Makumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vanhu veZANU-PF vanonyepera kushora hurumende dzekunze asi vachitumira vana vavo ikoko.

Zvichakadaro, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakadzoka munyika neMuvhuro kubva kuAustralia, uye vakange vari mundege imwe chete yakatakura vana vevakuru vemuZanu PF..

Zvinonzi paHarare International Airport pange pakazara mapurisa anodzivirira zhowe zhowe, vasori pamwe nematikitivha.

Tabata mutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, avo vanoti vaChihuri vaudza VaTsvangirai vari mundege kuti ndivo vakapa kuti vana vavo vadzingwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG