Accessibility links

Breaking News

UNICEF Yoparura Hurongwa Hwekudzidzisa Vadzidzisi nezveHIV/AIDS


Sangano reUNICEF, raparura chirongwa chekudzidzisa varairidzi vanosvika chiuru nemazana mashanu, nezvehutachiwana hwe HIV ne AIDS.

UNICEF inoti chirongwa ichi, chakatarisirwa kubatsira vana vanosvika zviuru mazana mashanu kuti vave neruzivo rwezvekudzivirira hutachiwana hweHIV.

UNICEF ichashandisa mari inosvika mazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica, uye ichange ichishanda pamwe nebazi rehurumende rinoona nezve dzidzo, zvemitambo pamwe netsika nemagariro.

Mutevedzeri wemutungamiri wePTUZ, uye vachiona zvakare nezve HIV/AIDS, Amai Abigail Tagwirei, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba zvavanofunga nezvehurongwa hwakadai.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG