Accessibility links

Breaking News

Nyika Yoramba Ichishaya Zvekudya Muzvitoro Kunyange Hazvo Mitengo Yakwidzwa


Dambudziko rekushaikwa kwezvekudya riri kuenderera mberi munyika, zvisineyi nekuti hurumende yave kubvumidza vemabhizimisi kuti vakwidze mitengo.

Kushaikwa kwezvekudya uku, kwaita kuti vamwe vanhu vari kunze kwenyika, vashandise vemabhizimisi epa internet kutenga zvekudya zvekuendesa kumhuri dzavo dziri kuZimbabwe.

Vemabhizimisi epa internet ava, vanoti vari kusanganawo nedambudziko rekuwana zvekudya kumakambani emuZimbabwe. Va Anesu Manjengwa, avo vane kambani ye sadza.com inotengesa zvinhu pa internet, vaudza Studio 7 kuti zvaimbovatorera mazuva maviri kuendesa zvinhu zvinenge zvatengwa nehama dziri kunze kwenyika, asi iye zvino, zvave kuvatorera kana masvondo maviri chaiwo, kuti vakwanise kuendesa zvavanenge vakwanisa kuwana.

Asi vamwe vakaita seve Zimbuyer.com, vanoti zviri kuvatorera mazuva matatu, kubva panobhadharwa mari kuti vakwanise kuendesa zvinenge zvatengwa nehama dziri kunze kwenyika. Ve Zimbuyer.com vati vari kuenderera mberi nekutengesa zvavari kukwanisa kuwana pamukoto pamwe nezviri kubva kunze kwenyika.

Va Laz Hege ndemumwe muzvinabhizimisi vakatanga nevamwe vavo Zimbuyer.com, iyo inotengesa zvinhu pa internet

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa Hege kuti tinzwe kuti vari kuzvifambisa sei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG