Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yoshora SADC Panyaya yeZimbabwe


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reHuman Rights Watch, rinoti vatungamiri venyika dzemuSADC vakakundikana zvachose kugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

SADC yakapedza musangano wayo neChishanu muLusaka, Zambia, ikabuda nechisungo chinoti hurukuro pakati peZANU-PF neMDC dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika, dziri kufambira mberi zvakanaka sekuudzwa kwayakaitwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vari kuedza kuti mapato aya ataurirane.

Asi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti haiwirirane nezvakabuda pamusangano weSADC zvekuti hurukuro dziri kufamba zvakanaka.

Human Rights Watch inoti vakuru vemuSADC vaifanira kutarira VaMbeki nguva yekupedza nhaurirano idzi. Human Rights Watch inotizve nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, hainawo kukurukurwa nezvayo pamusangano weSADC uyu.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaOtto Saki, vatiwo musangano weSADC kwakava kupedzera hoko padehwe retsindi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG