Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheManyoka Chokonzera Mutauro muHarare


Hurumende inoti haisi kushushikana zvakanyanya nekuwanda kwezvirwere zvemanyoka izvo zvinonzi zviri kuwanda muHarare.

Mukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vakaudza bepanhau re Herald kuti vanhu vanosvika mazana mapfumbamwe vari kurapwa chirwere chemanyoka, pazuva rega rega mumakirinika ekanzuru.

Vamwe vanoongorora nyaya dzehutano vanoti, zvirwere zvemanyoka izvi, zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura . Iye zvino, vagari vemumagauta vari kupedza mazuva mana kana masvondo akati kuti, vasina mvura, sezvo ZINWA ichinzi iri kuita dambudziko panyaya yekufambiswa kwemvura.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, Dr Edwin Muguti, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti dambudziko remanyoka harina kunyanya kudzama, uye hapana chokwadi chekuti dambudziko iri riri kukonzerwa nenyaya yemvura, iyo iri kunetsa kuwana mu Harare nemamwe maguta.

Studio7 yaita zvakare hurukuro nachiremba, uye vari sachigaro ve Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, avo vanopokana nezviri kutaurwa naVa Muguti, vachiti hazvirambiki kuti manyoka ari kukonzerwa nekushaikwa kwemvura.

Dr Gwatidzo vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti kupararira kwemanyoka kune njodzi, zvisineyi nekuti imhando yemanyoka yakaita sei.

Carole Gombakomba abata zvakare sachigaro wekomiti inoona nezvehutano muparamende, VaBlessing Chebundo.

Va Chebundo vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti dai hurumende yabvuma kuti munyika maita dambudziko, kuitira kuti iwane rubatsiro mukuchengetedza hutano hweveruzhinji.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG