Accessibility links

Breaking News

VaMutsakani Votaura Pamusoro Pekupfurwa Kwavo muSouth Africa


Mupepeti webepanhau repa internet reZimOnline, uye vari chizvarwa chemuZimbabwe, VaAbel Mutsakani, vanoti vave kunzwa zviri nani, zvichitevera kupfurwa kwavakaitwa mwedzi wapera muJohannesburg, South Africa.

VaMutsakani vanoti vachiri kunetsekana kuti chii chaizvo chavakapfurirwa, sezvo vanhu vakavapfura vasina kutora chinhu pavari. VaMutsakani vachine bara riri pedyo nemwoyo wavo sezvo vana chiremba vari kuti vakaedza kuribvisa, zvingangoisa hupenyu hwavo munjodzi.

Mapurisa emuSouth Africa haasati abata vanhu vakavapfura, uye hasvisati zvava pachena kuti vakapfuurirwei.

VaMutsakani ndivo vaimbova managing editor webepanhau re The Financial Gazette, uye vaimbove zvakare managing editor vebepanhau re The Daily News, vasati vatanga kushandira Zimonline kuSouth Africa.Vasati vabuda muZimbabwe, VaMutsakani vaive mutungamiri we Independent Journalists Association of Zimbabwe.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMutsakani kuti tinzwe zvakaitika kwavari.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG