Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzosungirwa Kufarisa kwaMutare


Bato reMDC kuManicaland rati nhengo dzaro sere dzasungwa mangwanani eChina maMutare, dzichipomerwa mhosva yekuita ruzha apo dzanga dzichibva kumatare edzimhosva.

Nhengo idzi dzanga dzichibva kunozviratidza pamberi pedare (remand hearing) mune imwe mhosva yadziri kupomerwa.

Vanomwe vevanhu ava vazopiwa mukana wekubvisiwa mari yefaindi inoita $40 000.00 pamunhu, kunze kwemunyori wevechidiki mudunhu iri, VaLloyd Mahute, avo vanzi varohwa zvakaipisisa nemapurisa, uye havasi kuzivikana kuti varipi pari zvino.

Mutauriri weMDC muManicaland, VaPishayi Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chiri kunetsa mudunhu ravo ndechekuti mapurisa ari kutevera zvematongerwo enyika achitsigira bato riri kutonga reZanu PF, achisiya basa rekuchengetedza vanhu zvisineyi nezvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG