Accessibility links

Breaking News

Nyama Yoshaikwa Munyika Zvichitevera Operation Dzikisai Mitengo


Hurumende neChina yakabvumidza kambani yeSurrey yekuMarondera kuti ichitangazve kuuraya mombe dzekutengesa, mushure mekunge kambani yehurumende yeCSC yakundikana kuita basa iri.

Asi kambani iyi inoti haisi kukwanisa kutenga mombe kubva kuvarimi sezvo vari kuti mari iri kunzi vatengese nehurumende, haina pundutso. Masvondo matatu apfuura, hurumende yainge yamboti makambani ose anouraya nyama arege zviitwe neCSC sezvo ange achinzi ari kudhurisa nyama. Asi mushure mekushaikwa kwenyama muzvitoro, hurumende yave kurova nhendeshure.

CSC yemuChinhoyi inonzi haisisina mombe dzekuuraya sezvo vanhu vamisa kutengesa mombe dzavo kukambani iyi. Vanopfuya mombe vanoti vamisa kutengesera CSC mombe dzavo sezvo vari kupihwa mari shoma kuburikidza nechirongwa cheOperation Dzikisai Mitengo.

Mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, anoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuChinhoyi nenyaya yekushaya mombe dzekuuraya.

CSC yemuHarare inonzi yange ichingotengesera nyama kumapazi ehurumendse akaita semasoja nemapurisa.

KuBulawayo kunonziwo kuri kuurayiwa nyama shoma zvekuti vanotengesa nyama vave kutovhara zvitoro zvavo.

Zvichakadaro, hondo pakati pagavhuna weRBZ, VaGideon Gono, nevamwe vakuru vehurumende vachitungamirwa negurukota rezvekutengeserana, VaObert Mpofu, iri kuenderera mberi.

VaGono vakanyora tsamba kuna VaMpofu, gurukota rezvehupfumi, VaSamuel Mumbengegwi, pamwe nekuna komishina wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuti vaone kuti chikwata cheOperation Dzikisai Mitengo, chisiyane nemabhanga, sezvo chiri kuita basa rinofanirwa kuitwa neRBZ.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti ve taskforce yeOperation iyi, vainge vaenda kumabhanga vakatora magwaro akakosha ane chekuita nevanhu vari kubhenga mari dzavo. VaGono vakanyorawo tsamba kuvakuru vemabhanga ava vachiti vainge vatenderana naVaMpofu kuti vasiyane nezvavainge voita.

Doctor Godfrey Kanyenze nyazvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaGono vabaya dede nemukanwa pakuti Taskforce isiyane nevemabhanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG