Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Ichawedzera Rubatsiro Rwechikafu Munyika


Sangano repasi rose reWorld Food Program kana kuti WFP rinoti richatanga kupinza chikafu muZimbabwe mwedzi unotevera waNyamavhuvhu.

Mutauriri we WFP kuchamhembe kwe Africa, VaRichard Lee, vanoti havasati vaziva kuti vachapa vanhu vangani chikafu, kana kuti chikafu chakawanda zvakadii chichaendeswa kuZimbabwe. Asi vati sangano ravo harisi kufara nekushaikwa kwechikafu muZimbabwe.

Parizvino WFP iri kupa chikafu vanhu mazana matatu ezviuru , vakaita se vana vakafirwa nevabereki, nevanorarama neHIV/AIDS.

VaLee vanoti vanga vachitarisira kupa vanhu vanosvika miriyoni imwechete asi vari kutarisira kukwidza huwandu hwevanhu vari kuda chikafu.

Mashoko aVa Lee, anotevera zvabuda mugwaro re FEWSNET, iyo inoti zimbabwe inofanirwa kuwana chikafu nekukurumidza, sezvo isina kukohwa chikafu chakakwana gore rino.

VaZvidzai Maburutse ndivo Regional Humanitarian officer for Southern Africa musangano re Action Aid.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMaburutse kuti tinzwe kuti vanobvumirana here nezvaturwa ne FEWSNET.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG