Accessibility links

Breaking News

America Inopa Zimbabwe Chikafu Chekupa Vanoshaya


Hurumende yeAmerica neChipiri yakapa Zimbabwe rubatsiro rwechikafu chinorema 47,400 metric tonnes ruchapihwa kuburikidza nesangano reWFP nemamwe masangano. Rubatsiro urwu rwunogona kubatsira vanhu vanosvika zviuru mazana mashanu.

Asi America inoti ine chinangwa chekubatsira vanhu 1,4 million. Mukupa chikafu ichi, America yashora zvikuru hurumende yaVaMugabe, iyo yakatara mitengo yezvinhu pasi pechirongwa cheOperation Dzikisai Mitengo yezvinhu.

America yati vanhu vakawanda vemuZimbabwe vari kuda rusununguko uye hurumende yeAmerica yakagadzirira kushanda nehurumende itsva yemuZimbabwe inoremekedza kodzero dzevanhu. Zvichakadaro, sangano reUnited Nations Office for the Cordination of Humanitarian Affairs – OCHA, rinoti Zimbabwe yakatarisana nematambudziko asati amboonekwa munyaya dzezvekudya uye zvehutano.

Mutauriri wesangano iri, Amai Elizabeth Byrs, vanoti vari kuda mari inosvika US$253 million, asi kusvika pari zvino, vawana US$122 milllion. OCHA inoti nherera dzinosvika 1, 6 million dzinogona kufa nenzara sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Sangano iri ratiwo nyaya yehurumende yekutara mitengo yezvinhu yaita kuti zvinhu zviomere vanhu mumaguta sezvo zvekudya zvave kushaikwa.

OCHA inoti vana vatanhatu kubva muzana, 6%, ndivo vari kuwana mishonga yekubatsira vana vane hutachiwana hweHIV/AIDS.

Amai Byrs vanotiwo kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehutano, kuri kupawo kuti vanhu vatambure.

Reverend Forbes Matonga vanotungamira Christian Care, rimwe remasangano anopa chikafu uye vachimboshandawo mukubatsira kutsvaga mari yekubatsira Zimbabwe vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vari kubatsirawo nherera nezvekudya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG