Accessibility links

Breaking News

Chirwere Chemanyoka Chokonzera Makakatanwa muKadoma


Meya weKadoma, Va Fanuel Phiri, varamba mashoko ari kutaurwa nevamwe vari kuziva zviri kuitika muKadoma, ekuti vana vakashaya nechirwere chemanyoka, vanodarika makumi maviri, kwete zviri kutaurwa nehurumende.

Vamwe vari kuongorora nyaya iyi vanoti vanhu vanodarika chiuru nemazana masere vakarwara nemanyoka, uye vamwe makumi matatu vanonzi vakafa, nechirwere chemanyoka.

KuGokwe North, zvinonzi vanhu zana nemakumi maviri nevapfumbamwe, vakarwara zvakare nemanyoka, vanhu vana vakafa nechirwere ichi. Hurumende inoti izvi zviri kukonzerwa nehosha ye e-coli, asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chikuru chiri kukonzera izvi, zvirwere zvinokonzerwa nekushaika kwemvura yakachena zvakaita se cholera nezvimwe zvakadaro.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Phiri nezvenyaya iyi.

Zvichakadaro, nhengo ye MDC inomirira Kadoma Central muparamende, Amai Editor Matamisa, vanoti dambudziko rezvirwere zvemanyoka, rakatodarika pane zviri kutaurwa nehurumende, nevamwe vari kuongorora zviri kuitika munzvimbo iyi.

Amai Matamisa, vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti zviri kutaurwa naVa Phiri hazviratidzi chokwadi chezviri kuitika muKadoma.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG