Accessibility links

Breaking News

Sangano reNCA Rinoti Nhengo Dzaro Dziri Kushungurudzwa


Sangano reNCA rinoti dzimwe nhengo dzaro dzekuMarondera neManicaland, dzakashungurudzwa nemapurisa pamwe nevesangano revasori mukupera kwesvondo.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro gumi nembiri pamwe nevana vacheche vatatu, vakasungwa nemusi weChina svondo rapera kuMarondera mushure mekuita musangano.

Nhengo idzi dzazoregedzwa neMuvhuro pasina mhosva yadzapomerwa. KuManicaland, sachgaro weNCA mudunhu iri, VaElisha Makuyana, pamwe naVaDube, mumwe mushandi wesangano iri, vanonzi vakatorwa usiku hwemusi weChishanu nevanofungidzirwa kuti vasori.

Midziyo yesangano iri, iyo inosanganisira mbatya nema radio zvinonzi zvakatorwawo kubva kumahofisi esangano iri maMutare. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi sachigaro wesangano iri, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zviri kuitwa nechinangwa chekuda kutyisidzira vose vanoona zvakaipa zviri kuitwa nehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG