Accessibility links

Breaking News

NCA Yogeza Maoko Ayo Panyaya Yenhaurirano


Sangano re Mass Public Opinion Trust, neChina manheru, rakaita musangano weveruzhinji, wekuzeya hukama huripo pakati pehurumende nevemakirike.

Asi gurukota raifanirwa kumirira hurumende pamusangano uyu, VaChen Chimutengwende, vanonzi vakazozivisa vaironga musangano uyu kuti havachakwanisi kuuya, kana kutumira nhumwa.

Mashoko anoti vamwe vanga vari pamusangano uyu, vaiti vemakirike havafanirwi kunge vaine chekuita nezvematongerwo enyika, asi vamwewo vaiti izvi hazvikwanisiki, sezvo matambudziko ari munyika, ari kubatawo vemakirike ava.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Reverend Kupakwashe Mutata, nhengo ye Zimbabwe Council of Churches, vakataurawo pamusangano uyu, kuti tinzwewo pfungwa dzavo.

Tichiri panyaya ye hurukoro, sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti sangano ravo harichineyi nehurukukuro dziri kuitwa pakati peMDC neZANU-PF idzo dziri kutungamirirwa nemutungamiriri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Mutori wenhau we Studio 7, Irwin Chifera, anoti VaMadhuku vakataura mashoko aya kuNational Press Club muHarare nezuro manheru.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG