Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yemitengo Yovharisa Mamwe Mabhizimisi


Hurumende neChitatu yakadaidza vakuru vemabhizimisi vose kumusangano wechimbi chimbi zvichitevera kuvharwa kwemakambani akawanda anogaya hupfu, kubika chingwa uye kutengesa nyama.

Hurumende iri kuti vemabhizimisi vadzikise mitengo yezvinhu zvose kusvika pamitengo yemusi wa18 Chikumi.

Mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vanoti vari kuda kuudza hurumende kuti ipe vemabhizimisi mari yekunze yekuti vakwanise kuita basa.

Hurumende inoti iri kuda kuudza vemabhizimisi ava kuti vanofanira kuenderera mberi nekugadzira zvinhu uye anenge asina kuita izvi, anotorerwa kambani nehurumende.

Kunyange hazvo vakuru ava vange vachitaurirana, mapurisa ange achienderera mberi achimanikidza vemabhizimisi kudzikisa zvinhu uye kusunga vamwe. Kambani yeBata yamanikidzwa kudzikisa mitengo muHarare, zvapa kuti vanhu vaite chipatapata muzvitoro zvayo.

Zvinhu zvakawanda zvinonzi zvave kushaikwa zvakaita seshuga, chingwa, mukaka nenyama.

Mugari wemuHighfield VaNathan Moyo vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zvitoro zvizhinji paMachipisa zvavharwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG