Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai neVamwe Vavo Voita Misangano muEuropean Union


Vari kumirira Save Zimbabwe Campaign vasangana nevakuru vakuru musangano re European Union muBrussels, kuBelgium. Vakuru ava vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri weZapu-PF, VaPaul Siwela, sachigaro veNCA, Doctor Lovemore Madhuku, pamwe na Reverend Levee Kadenge veUnited Methodist Church.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwa kusangana nevamwe vavo muLondon neChina, umo vachaitawo misangano nevakuru vakuru muhurumende yeBritain, kusanganisirawo vemasangano akazvimirira.

Bepanhau reHerald rinoti vakuru ava vari kushora nyika vachitaura manyepo.

Asi Doctor Madhuku vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vari kuda kuti vekuEurope vazivewo zviri kuitika muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG