Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeMDC Inonyimwazve Mukana Wekubvisiswa Mari Yechibatiso


Dare redzimhosva raramba neMuvhuro kupa nhengo yeMDC iri muhusungwa, Va Raymond Baki, mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaBaki vari kupomerwa mhosva yekuparadza midziyo zvine hutsinye mukati. Dzimwe nhengo dzeMDC dzinosvika makumi maviri neimwe chete, idzo dzinosanganisira mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, dziri kupomerwa mhosva yekuda kupindugura hurumende nechisimba.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaAlec Muchadehama, vanoti panyaya iyi, vanhu vavari kumirira, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kanokwana makumi matatu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMuchadehama kuti vatiudze kuti zvinhu zvafamba seyi kumatare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG