Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramwa Kuendesa Nhumwa Kumusangano we ACP-EU


Hurumende yarambidza nhengo dzeparamende pamwe nedze dare reseneti kuenda kumusangano wemubatanidzwa weAfrican Caribbean Pacific-European Union.

Musangano uyu unotanga mu Germany musi was 23 mwedzi uno, uye uri kutarisirwa kuzeya mamiriro akaita zvinhu mu Zimbabwe nemuSudan, pakati pezvimwe zvichakurukurwa nezvazvo.

Mutsamba yavakanyorera vaifanirwa kuenda kumusangano uyu, munyori wedare reparamende, Va Austin Zvoma, vakati sezvo dzimwe nhengo mbiri dzeZANU-PF dzakanyimwa mavhiza ekufambisa nehurumende ye Germany, hurumende yakati hazvikodzeri kuti vaviri vakawana mavhiza vaende voga.

Vakapihwa mavhiza ava, ndiAmai Clarisa Muchengeti, veZANU-PF, pamwe nemutauriri weMDC, Va Nelson Chamisa.

Mukuru wedare re ACP-EU, Va Henry Okole vanoti havasati vatambira gwaro rinobva kuhurumende yeZimbabwe, rekuvazivisa kuti havachadi kupinda musangano uyu. Mutori wenhau dzeStudio 7 Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaChamisa nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG