Accessibility links

Breaking News

Gorosi Rinoshaikwa Munyika


Munyika mungangoshaikwa chingwa zvichitevera mashoko ekuti dura renyika reGMB, harichina gorosi.

GMB inonzi yakamirira gorosi riri kuBeira kuMozambique, nerimwe riri kuDurban, kuSouth Africa, iro rinonzi ranga risati rabhadharirwa.

Vanogaya flour vanoti vakatodzikisawo huwandu hweflour yavanopa vanobika chingwa, sezvo zvinhu zvacho zvisisina kumira zvakanaka.

Mumwe mushandi wekuGMB, uyo asina kuda kudomwa zita rake, aramba kuti kambani iyi haichina gorosi, asi kuti vanhu vari kungoda kusvibisa zita rekambani iyi pamwe nerenyika.

Asi mushandi uyu abvuma kuti zvinhu zvinomboomawo hazvo pano nepapo.

Munyori anoona nezve kurima mu MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaSeso Moyo, vaudza Jonga Kandemiiri weStuido 7 kuti GMB inofanirwa kusiya katsika kayo kekusabuda pachena panyaya yechikafu chinenge chiri mumatura ayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG