Accessibility links

Breaking News

Mhuri Ine Vanhu Vatanhatu Yoda $5,5 million paMwedzi


Sangano reConsumer Council of Zimbabwe razivisa kuti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu kuitira kuti vakwanise kurarama, yakwira kubva pa$3,3 million pamwedzi kusvika pa $5,5 million. Mutungamiri CCZ, Muzvare Rosemary Siyachitema, vanoti zvanyanya kukwira mutengo imvura, magetsi, makombi, uye zvekupfeka.

Muongoro yaitwa neStudio 7 zvinotaridzawo kuti mitengo yezvinhu iri kukwira zuva nezuva, izvo zviri kupa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru muZCTU, VaJaphet Moyo, vati vashandi vacharatidzira kana hurumende nevashandirwi vakasapa vashandi mari yakafanira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG