Accessibility links

Breaking News

VaBlair Vanoshora Matongero aVaMugabe Avo Vari Kurwadzisa Vanovapikisa


Mutungamiri wehurumende yeBritain, VaTony Blair, neChina vakasvika muSouth Africa, umo vachange vari kwemazuva maviri. VaBlair vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki neChishanu.

Hurukuro idzi dzichabatawo matambudziko akatarisana neZimbabwe. VaBlair vanoti nyika dzepasi rino dzinofanira kubatsira Zimbabwe, iyo yaparadzwa naVaMugabe. VaBlair vari kuonekana nevamwe vakuru venyika dzemuAfrica sezvo vari kuenda pamudyandigere mwedzi unotevera.

VaBlair varumbidza South Africa, Mozambique neBotswana, asi vakashora Zimbabwe neSudan vachiti nyika mbiri idzi dzinotyora kodzero dzevanhu, uye kuita zvemhirizhonga.

Vati hutongi hwaVaMugabe huri kukanganisa hupfumi hweSouth Africa, vakati izvi zviri kupa kuti vana veZimbabwe vatize nyika yavo. VaBlair varumbidzwa zvikuru nevaimbova mutungamiri weSoutrh Africa, VaNelson Mandela.

Vachitaurawo muSouth Africa, VaMandela vati zvinofadza kuti munhu wechidiki akaita saVaBlair, ave kutoendawo pamudyandigere. Vatiwo VaBlair ndisahwira weAfrica.

Doctor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

VaMakumbe vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaBlair vadya manonoko panyaya yeZimbabwe asi vachine simba mukugadzirisa nyaya yeZimbabwe kunyange hazvo voenda pamudyandigere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG