Accessibility links

Breaking News

VaMatombo Vanoshora Mashoko aVaShamuyarira


Sangano revashandi reZCTU rashora mashoko akataurwa nemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaNathan Shamuyarira, ekuti sangano iri rarasa zvido zvevashandi pamwe nehurumende nekupinda mune zvematongerwo enyika.

NeChitatu VaShamhuyarira vakati zvinangwa zvakaita kuti hurumende iumbe sangano reZCTU, zvose zvaraswa nesangano iri sezvo rava kuita zvematongerwo enyika, pane kuti riite zvido zvevashandi.

VaShamuyarira vakati matambudziko akatarisana nenyika pari zvino ari kukonzerwa nehutungamiri hweZCTU uhwo hwasiya gwara rahwo. Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Studio 7 kuti aya ava mashoko evanhu vose vari muhurumende nebato reZanu PF sezvo vasingadi kutambira kuti vari kukundikana pakugadzirisa zviri kunetsa munyika.

VaMatombo vaudza mutori wenhau dzeStudio7 kuti masangano evashandi pasi rose anozivikanwa nekurwira kodzero dzevashandi kwete kunamata hurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG