Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Vanoramba Hurongwa Hwekubatira Vashandi Mari yeHealth Insurance


Vabereki vane vana vacheche vanoti vari kunetsekana zvikuru nedambudziko rekushaya mishonga yemajekiseni inodzivirira zvirwere zvinobata vana vavo.Madzimai emaMutare anoti kushayikwa kwemishonga iyi kuri kuisa vana vavo munjodzi yakaipa zvikuru.

Mutori wenhau weStudio 7, Loirdham Moyo, anoti madzimai akawanda ari kuswera ari muzvipatara asi pasina rubatsiro ruri kupihwa vana vavo sezvo muzvipatara izvi musina mishonga inodiwa.

Zvichakadaro, komiti inoona nezvehutano, pamwe nekomiti yeparamende inoona nezve vashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu dzaita musangano muHarare neChina. Musangano uyu wanga uri wekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pehurongwa hweNational Health Insurance Scheme.

Hurumende, ichishanda ne National Social Security A,uthority, NSSA, ine hurongwa hwekubatira vashandi mari inoita zvikamu zvishanu kubva muzana pamwedzi wega wega. Mari iyi inonzi ichashandiswa mukubatsira munyaya dzezvehutano.

Asi vamwe vanopikisa hurongwa uhu vanoti sezvo hurumende yagara ichitora zvakare mari ye AIDS levy kubva kuvashandi, izvi zvichaita kuti vashandi vasare vasina mari yakakwana yekuriritira mhuri dzavo.

Vamwewo vanoti, sezvagara zvichingoitika, hurumende ichaenderera mberi nekuparura hurongwa uhwu , zvisinei nekuti veruzhinji vati kudii kukomiti yeparamende iyi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na VaBlessing Chebundo, sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano pamwe nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, kuti tinzwe kuti vanhu vanga vachiti kudii, pamusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG