Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Orangarira Operation Murambatsvina


Masangano akazvimirira oga anosvika gumi nematatu anoti achange achirangarira kutanga mangwana nhamo yakasiirwa vanhu mushure mekunge dzimba dzavo pamwe nenzvimbo dzavaishandira, dzaputswa hurumende pasi pechirongwa cheOperation Murambatsvina.

Masangano aya, pamwe nemachechi emunyika, achaita misangano yekunamatira vanhu vakawirwa nedambudziko iri. Vanhu vanopfuura mazana manomwe ezviuru vakasiiwa vasina pekugara muna Chivabvu 2005, uye vazhinji vacho havasati vava nepekugara pari zvino.

Asi gurukota rinoona nezve kubuditswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vanoti hurumende ine hurongwa hwekubatsira vanhu vakapunzirwa dzimba dzavo. Asi varamba kutaura kuti vanhu vangani vakabatsirwa.

VaRashid Mahiya ndivo vanoona nezve kufambiswa kwemabasa mu Crisis in Zimbabwe Coalition, rimwe remasangano ari muhurongwa hwekurangarira Operation Murambatsvina.

Mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere aita hurukuro naVaMahiya kuti vatsanangure nezve hurongwa hwavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG