Accessibility links

Breaking News

VaMakone Vanomiswa Pamberi Pedare Zvakare


Chipanga mazano chaVaMorgan Tsvangirai, VaIan Makone, vamiswa neChipiri pamberi pedare vachipa zvikonzero zvinopa kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaMakone nevamwe vavo makumi matatu, vakasungwa muna Kurume, vachipomerwa mhosva yekudzidzisa vanhu veMDC mabasa ehugandanga, paine chinangwa chekubvisa hurumende nechisimba. Asi VaMakone nevamwe vavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Kubvira kusungwa kwavakaitwa, VaMakone nevamwe vavo vari kugara vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, sezvo gurukota rezvemukati menyika, Va Kembo Mohadi, vakatura magwaro mumatare anorambidza kuburitswa kwevasungwa ava.

Vamwe vari muhusungwa mukadzi waVaMakone, Theresa, VaPhilipp Mabika, Dennis Murira, mumiriri weGlen View, VaPaul Madzore, munin'ina wavo VaSolomon Madzore, nevamwewo.

VaAndrew Makoni rimwe remagweta ari kumirira nhengo dze MDC.

Mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere atanga nekubvunza VaMakoni kuti chii chaitika kumatare edzimhosva.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG