Accessibility links

Breaking News

ZEF Yokurudzira South Africa Kuti Iremekedze Kodzero Dzezvizvarwa zveZimbabwe


Zimbabwe Exiles Forum nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa, vabuditsa gwaro rinotsanangudza zviri kuitika kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kupinda muSouth Africa nekudivi rekuMusina.

Masangano aya anoti akaona zvakakodzera kuti anozvionere pamhuno sefodya, mashoko ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutiza muZimbabwe, zviri kutambudzwa nemauto kana mapurisa emuSouth Africa.

Masangano aya anoti ane hurongwa hwekuendesa gwaro iri kuhurumene yeSouth Africa, uye kumasangano anorwira kodzero dzevanhu mudunhu rekuchamhembe kweAfrica nedzimwe nyika pasi rose.

Chief Executive Officer vesangano reMusina Legal Advice Center, VaJacob Matakanye, vakawedzerawo pfungwa dzavo mugwaro iri, vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana nemabatirwo ari kuitwa vanhu vari kupinda mu South Africa zvisiri pamutemo, pamwe nevari kupinda zviri pamutemo.

Va Eddie Matsangaitse, ndivo Programme manager we Zimbabwe Exiles Forum.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaMatsangaitse kuti tinzwe kuti chinangwa chavo ndechei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG