Accessibility links

Breaking News

VaChamisa, VaNyathi Votaura Nezve Sarudzo Dzeku Zaka-East Nedze Makanzura


MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai, inoti ichabuda pachena munguva pfupi inotevera, kuti vokwikwidza here kana kuti kwete, musarudzo dzekutsvaga mumiriri weZaka East muparamende.

Vose vari kuda kukwikwidza musarudzo dzichaitwa musi wa 9 Chikumi, vanofanirwa kunyoresa mazita avo nemusi weChishanu.

Zvichakadaro, gurukota rezvematunhu, Va Ignatious Chombo, vanotiwo sarudzo dzekutsvaga makanzura emumaguta, dzinofanirwa kuitwa muna Ndira, kwete muna Kurume, sezvakambotaurwa pakutanga kwegore.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa Nelson Chamisa, mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai ndokutanga nekuvabvunza pakamira bato ravo panyaya dzesarudzo dzeku Zaka East.

Sarudzo dzeku Zaka East, dzinoitwa zvichitevera kushaika kwevaimbova mutevedzeri wegurukota rinoona nezve-zviwanikwa, VaTinos Rusere, avo vanga vakamirira bato reZANU-PF.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro naVaPaul Temba Nyathi, avo vanoona nezvesarudzo mubato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, kuti tinzwe kuti ivo vakamira papi panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG